Zvibatsiro Zvekudzidza
Eta


Eta

Muporofita wekupedzisira wechiJaredhi muBhuku raMormoni (Eta 12:1–2).

Bhuku raEta

Bhuku riri muBhuku raMormoni rine zvikamu zvezvinyorwa zvemaJaredhi. MaJaredhi vaive chikwata chevanhu vaigara kuchidimbu chekumadokero chepasi rino zviuru nezviuru zvemakore vanhu vaRihai vasati vavepo. Bhuku raEta rakatorwa pamahwendefa makumi maviri nemana akawanikwa naRimuhai (Mosaya 8:8–9).

Zvitsauko 1–2 zvinotaura nekusiya kwakaita maJaredhi misha yavo panguva yeShongwe yeBaberi vakatanga rwendo rwavo kune inozivikanwa iye zvino senyika yeAmerica. Zvitsauko 3–6 zvinotsanangura kuti hama yaJaredhi akaona Muponesi asati ave nemuviri unofa nokutiwo maJaredhi vaifamba vari mumagwa masere. Zvitsauko 7–11 zvinoenderera mberi nerungano rwekuipa kwakanga kuri kukuru murungano rwemaJaredhi. Moronai, akazopepeta mushure zvinyorwa zvaEta, akanyora muzvitsauko 12–13 nezvishamiso zvinoitwa nerutendo naKristu neJerusarema Idzva richauya. Zvitsauko 14–15 zvinotaura kuti maJaredhi akare rudzi rwune mukurumbira sei, asi vakaparadzwa nekurwisana pachavo pamusana pekuipa.