Zvibatsiro Zvekudzidza
Zvakazarurwa zvaJohane


Zvakazarurwa zvaJohane

Bhuku rekupedzisira muTestamente Itsva, rine zvakazarurwa zvakapiwa kuna Johane Muapositori. Akabvumirwa kuona nhoroondo yenyika, kunyanya mazuva ekupedzisira (Zvaka. 1:1–2; 1 Ni. 14:18–27; D&Z 77). Zvakazarurwa zvaJohane zvinodaidzwa nokuzivikanwa seZvakaiswa pachena.

Johane akagashira zvakazarurwa izvi muzuva raIshe pachitsuwa chePatmosi (Zvaka. 1:9–10), kunze kwenyika yeAsia, kusiri kure neEfeso. Zuva chairo rekuzaruriwa harizivikanwe.

Makiyi ekunzwisisa bhuku akaiswa pamewechete muna 1 Ni. 14:18–27 nemuna D&Z 77 (Eta 4:15–16).

Zvitsauko 1–3 musumo kubhuku iri netsamba kuchechi nomwe muAsia. Johane akanyora tsamba idzi kuyamura vatendi kugadzirisa zvimwe zvinetso. Zvitsauko 4–5 zvakanyorwa zviratidzo izvo Johane akatambira zvichiratidza umambo nesimba rakarurama raMwari naKristu. Muzvitsauko 6–9, 11, Johane akanyora achiona bhuku rakanga rakanamwa nenamo nomwe, namo yega yega yakamirira chiuru chimwechete chenhoroondo yenguva pfupi yepasi rino. Zvitsauko izvi zvinobata kunyanya zviitiko zviri munamo yechinomwe (tarisa Zvaka. 8–9; 11:1–15). Chitsauko 10 chinotsanangura bhuku iro Johane akadya. Bhuku iri rinomiririra rimwe basa raachaita. Chitsauko 12 chakanyorwa chiratidzo chekuipa kwakatanga kudenga apo Satani zvaakapanduka akabva atandirwa kunze. Hondo iyo yakatangira ikoko ichiri kurwiwa pano pasi. Muzvitsauko 13, 17–19, Johane akatsanangura umambo hwakaipa hwepano pasi hunotongwa naSatani uye akanyora mhedzisiro yavo, kusanganisa nokuparwadzwa kwokupedzisira kwezvakaipa. Zvitsauko 14–16 zvinotsanangura kururama kweVatendi pakati pekuipa chinguvana Kristu asati auya kechipiri. Zvitsauko 20–22 zvinotsanangura Mereniamu, guta rakanaka rinoyevedza reJerusarema Idzva, nezvinoitika pakupedzisira kwenhoroondo yepasi rino.