Zvibatsiro Zvekudzidza
Huporofita


Huporofita

Huporofita hunosanganisa mazwi ehumwari akatemerwa kana zvinyorwa, izvo zvinotambirwa nemunhu mukuratidzwa kubva kuMweya Mutsvene. Uchapupu hwaJesu mweya wehuporofita (Zvaka. 19:10). Huporofita hungangove nechekuita nezvakapfuura, zviripo, kana zvichauya. Kana munhu achiporofita, anotaura kana kunyora izvo Mwari vanoda kuti azive, zvinoyamura iye, kana vamwe. Munhu wega-wega anogona kugashira huporofita kana chiratidzo cheupenyu hwake.