Zvibatsiro Zvekudzidza
Mwanakomana weMunhu


Mwanakomana weMunhu

Zita iro raishandiswa naJesu Kristu kana achitaura nezvake (Ruka 9:22; 21:36). Zvaireva kuti Mwanakomana weMunhu weUtsvene, Murume weUtsvene rimwe remazita aMwari Baba. Jesu zvaaizvidaidza kuti Mwanakomana weMunhu, kwaive kutaura pachena nezveukama hwake kuna Baba. Iri zita rinowanikwa zvakanyanya mumaVhangeri. Zvakazarurwa zveMazuva Ekupedzisira zvinotsigira kukosha kunoreva nekuera kwezita iri reMuponesi (D&Z 45:39; 49:6, 22; 58:65; Mos. 6:57).