Zvibatsiro Zvekudzidza
Mutariri


Mutariri

Munhu anochengetedza mararamiro kana zvinhu zvemumwe. Izvo zvinochengetedzwa nemutariri zvinonzi hutariri. Zvose zvinhu panyika ndezvaIshe; tiri vatariri vavo. Tinozvidavira kuna Ishe, asi tinogona kupira nezveutariri hwedu kune avo vakapiwa mvumo naMwari. Kana tikagashira kudaidzwa kuti tishande kubva kuna Ishe kana varanda vavo vane mvumo, utariri ihwohwo hunogona kusanganisa zvose zvemweya nezvenyama (D&Z 29:34).