Zvibatsiro Zvekudzidza
Mosaya, Mwanakomana waBenjamini


Mosaya, Mwanakomana waBenjamini

Mambo wechiNifai akarurama nemuporofita muBhuku raMormoni. Mosaya akatevera mufananidzo wakarurama wababa vake (Mosaya 6:4–7). Akadudzira mahwendefa makumi maviri nemana egoridhe aive nezvinyorwa zvemaJaredhi (Mosaya 28:17).

Bhuku raMosaya

Bhuku riri muBhuku raMormoni. Zvitsauko 1–6 zvine mharidzo yakasimba yaMambo Benjamini kuvanhu vake. Mweya waIshe wakabata mwoyo yavo vanhu vakadzorwa uye vakanzwa vasisina chido chekuita zvakaipa. Zvitsauko 7–8 zvinotaura nezvechikwata chevanhu vechiNifai avo vakanga vaenda vakanogara mukati memaRamani. Kwakatumirwa chikwata chekuti chinovatsvaga. Amoni, mutungamiri wechikwata chekutsvaga ichi, akavawana akanzwa nezvemiyedzo yavo pasi pehudzvanyiriri hwechiRamani. Zvitsauko 9–24 zvinotsanangura kudzvinyirirwa ikoko nokuti vatungamiri vavo—Zenifi, Noa, naRimuhai—vaigara vari pasi pemaRamani. Kufira chitenderi kwemuporofita ainzi Abhinadhai naikowo kwakanyorwa. Aruma akatendeukira paitongwa Abhinadhai. Zvitsauko 25–28 zvinodzokorora Nyaya dzebuti mwanakomana waAruma nevanakomana vana vaMambo Mosaya vakatendeutswa sei. Muchitsauko 29 Mambo Mosaya vakakuridzira kuti tsika yevatongi itore nzvimbo yemadzimambo. Aruma mwanakomana waAruma akasarudzwa kuti ave mutongi mukuru wekutanga.