Zvibatsiro Zvekudzidza
Dudziro yaJoseph Smith (DJS)


Dudziro yaJoseph Smith (DJS)

Dzokerodzo kana dudziro yeBhaibheri yakatsikiswa naMambo Jemisi muChirungu iyo yakatangwa nemuPorofita Joseph Smith muna Chikumi 1830. Akatumwa naMwari kuti aite dudziro iyi uye akazvitora sebasa rake semuporofita.

Kana dai zvazvo Joseph akapedza kududzira kuzhinji muna Chikunguru 1833, akaramba achinatsurudza zvinorwa izvi kudakara kufa kwake muna 1844 achingunogadzirira kuti zvishambadzwe. Kana dai zvazvo akashambadza zvimwe zvidimbu zvekududzira munguva dzeupenyu hwake, zvingangove kuti angadai akaita dzimwe shanduro dai akararama kuti ashambadze basa racho rose. Chechi Rakarongwa Zvakare yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira rakashambadza zvinyorwa zvekutanga Zvedudziro yakafemerwa yaJoseph Smith muna 1867. Vashambadza zvinyorwa zvakati-kuti kubvira panguva iyoyo.

Muporofita akadzidza zvinhu zvizhinji munguva yekududzira. Zvikamu zvizhinji zveDzidzo neZvibvumirano zvakagashirwa pamusana pebasa rake rekududzira (zvakaita seD&Z 76, 77, 91, uye ne132). Zvakare, Ishe vakapa Joseph mitemo chaiyo yekududzira, yakange yakanyorwa muDzidzo neZvibvumirano (D&Z 37:1; 45:60–61; 76:15–18; 90:13; 91; 94:10; 104:58; 124:89). Bhuku raMosesi naJoseph Smith—Mateo, ayo zvino akaiswa muDombo reMutengo Mukuru, akatorwa kubva kuDudziro yaJoseph Smith.

Dudziro yaJoseph Smith yakadzorera pakare zvimwe zvezvinhu zviri pachena uye zvinokosha izvo zvakanga zvarasika kubva muBhaibheri (1 Ni. 13). Kana dai zvazvo risiro bhaibheri rinotorwa zviri pamutemo neChechi, dudziro iyi inopa rujeko kuzvinhu zvizhinji zvinofadza uye iri inokosha zvikuru mukunzwisisa Bhaibheri. Zvakare uchapupu hwekudaidzwa kutsvene nehushumiri hweMuporofita Joseph Smith.