Zvibatsiro Zvekudzidza
Chibvumirano


Chibvumirano

Chitenderano pakati paMwari nemunhu, asi havaite sevakaenzana muchibvumirano. Mwari vanopa zvitevedzwa muchibvumirano, uye vanhu votenda kuita zvavanovakumbira kuti vaite. Mwari zvino vovimbisa vanhu mamwe maropafadzo pamusana pekuteerera kwavo.

Misimboti nezvisungo zvinotambirwa nechibvumirano. Nhengo dzeChechi dzinoita zvibvumirano zvakadai dzinovimbisa kuzvichengeta. Semufananidzo, nhengo dzinobvumirana naIshe parubhabhatidzo uye vovandudzira zvibvumirano izvozvo mukutora sakaramende. Vanoita zvimwe zvibvumirano mutemberi. Vanhu vaIshe vanhu vechibvumirano uye vanoropafadzwa zvikuru apo vanochengetedza zvibvumirano zvavo naIshe.