Zvibatsiro Zvekudzidza
Jeremia


Jeremia

Muporofita wemuTestamente yaKare uyo akaberekwa mumhuri yehupirisita aiporofita muJuda kubvira 626–586 Kristu asati azvarwa. Akararama pedyo nenguva dzevamwe maporofita vakuru: Rihai, Ezekieri, Hosea, naDanieri.

Jeremia akagadzwa kuti ave muporofita upenyu hwekufa husati hwavepo (Jer. 1:4–5). Munguva yake ingangosvika makore makumi mana ari muporofita aidzidzisa achirambidza kunamata zvifananidzo nehunzenza mukati mevanhu vechiJuda (Jer. 3:1–5; 7:8–10). Aigara akatarisana nekupikiswa kusingapere nokutukwa (Jer. 20:2; 36:18–19; 38:4). Mushure mekupunzika kweJerusarema, maJuda akatizira kuEgipita vakatora Jeremia navo (Jer. 43:5–6), uko, maererano netsika, vakamutaka nematombo akafa.

Bhuku raJeremia

Zvitsauko 1–6 zvine zviporofita zvakapihwa nguva dzekutonga kwaJosia. Zvitsauko 7–20 zviporofita munguva dzaJehoyakimi. Zvitsauko 21–38 zvinotaura nezvekutonga kwaZedekia. Zvitsauko 39–44 zvine zviporofita uye zvinotsanangura zvakaitika mushure mekupunzika kweJerusarema. Chitsauko 45 chine chivimbiso kuna Baruki, munyori wake, kuti upenyu hwaBaruki hwaizochengetedzwa. Pakupedzisira, zvitsauko 46–51 zviporofita pamusoro pemarudzi evatorwa. Chitsauko 52 kupedziswa kwenhoroondo. Zvimwe zvezviporofita zvaJeremia zvaive mumahwendefa esimbi aRabani akatorwa naNifai (1 Ni. 5:10–13). Jeremia anotaurwawo kaviri kose muBhuku raMormoni (1 Ni. 7:14; Hir. 8:20).

Bhuku raJeremia rinosanganisawo ruzivo rwekurarama kwemunhu upenyu huno husati hwavepo nokufanogadzwa kwaJeremia (Jer. 1:4–5); chiporofita chekudzoka kwaIsraeri kubva mukupararira kwavo, kuchikokorodzwa mumwechete wemuguta nevaviri vemhuri kuZioni, nyika inofadza uko Israeri naJuda vangagare pasina chinovawana nemurunyararo (Jer. 3:12–19); nechiporofita chaIshe vachiunganidza Israeri kubva kunyika dzekumusoro nokutumira “varedzi” ne “vavhimi” vazhinji kunovatsvaga (Jer. 16:14–21). Ichi chiitiko chemazuva ekupedzisira chichave chikuru mukuera kupfuura kana kuburitswa naMosesi kwaIsraeri kubva muEgipita (Jer. 16:13–15; 23:8).