Zvibatsiro Zvekudzidza
Adama


Adama

Munhu wekutanga kusikwa panyika.

Adama ndiye baba ari iye ziteteguru revanhu vose pasi pano. Kutadza kwake ari muBindu reEdeni (Gen. 3; D&Z 29:40–42; Mos. 4) kwakakonzera kuti “apunzike” nokuti ave neupenyu hwenyama hunoguma nerufu, iri nhanho inofanira kuvepo kuti munhu afambire mberi pano pasi (2 Ni. 2:14–29; Aru. 12:21–26). Adama naEva vanofanirwa kuti varemekedzwe pane zvavakaita kuti kukura kwedu kwokusingaperi kukwanisike. Adama ndiye waMazuva Akare anozivikanwawo saMikaeri (Dan. 7; D&Z 27:11; 107:53–54; 116; 138:38). Ndiye ngirozi huru uye achauyazve pasi seziteteguru remhuri yevanhu, mukugadzirira kuuya kwechipiri kwaJesu Kristu (D&Z 29:26).