Zvibatsiro Zvekudzidza
Jakobo, Mwanakomana waZebedi


Jakobo, Mwanakomana waZebedi

Mumwe wevane Vaapositori vaneGumi neVaviri vakasarudzwa naJesu nguva dzemharidzo yake pano pasi. Aive mukoma waJohane. Aive mumwe weVaapositori vatatu vakasarudzwa kuti vave naJesu pane dzimwe nguva dzaikosha: pakumutswa kwemwanasikana waJairosi (Marko 5:37), paKushanduka (Mat. 17:1; Marko 9:2; Ruka 9:28), nepaGetsemani (Mat. 26:37; Marko 14:33). NaPetro naJohane, akadzorera pakare Hupirisita hwaMerkizedeki panyika nokugadza Joseph Smith (D&Z 27:12; 128:20; Nh—JS 1:72).