Akazodzwa Onawo Jesu Kristu; Mesia Jesu anonzi Kristu (izwi rechiGiriki) kana kuti Mesia (izwi rechiArami). Ose mazwi aya ari maviri anoreva kuti “akazodzwa.” Ndiye akazodzwa waBaba kuti ave mumiriri waBaba muzvinhu zvose zviri maererano neruposo rwevanhu. Ishe vakandizodza, Isa. 61:1–3. Ndiye akazodza mumwechete kuti aparidze vhangeri, Ruka 4:16–22. Jesu akazodzwa naMwari Baba, Mabasa 4:27. Mwari vakazodza Jesu weNazareta, Mabasa 10:38.