Zvibatsiro Zvekudzidza
Joshua


Joshua

Muporofita wemuTestamente yaKare, uye mutungamiri akatora nzvimbo yaMosesi. Akaberekerwa muEgipita vana vaIsraeri vasati vapunyuka (Num. 14:26–31). Iye naKarebi vaive mukati mevasori gumi nevaviri vakatumirwa kuKanani. Ivo chete ndivo vakapa mashoko akanaka pamusoro penyika (Num. 13:8, 17–33; 14:1–10). Akafa ave nemakore zana nemakore gumi (Josh. 24:29). Joshua akanga ari mufananidzo mukuru wemuporofita-nemurwi akazvipira.

Bhuku raJoshua

Bhuku iri rakadaidzwa zita raJoshua nokuti ndiye akanga ari mukuru mariri uye kwete kuti ndiye akarinyora. Zvitsauko 1–12 zvinotsanangura kukundwa kweKanani; Zvitsauko 13–24 zvinotaura nezvemarudzi eIsraeri achigovanisa nyika nezvekuraira kwaJoshua kwekupedzisira.

Ndima mbiri dzinoziikanwa mubhuku raJoshua mutemo waIshe kwaari wekuti afunge pamusoro pemagwaro matsvene (Josh. 1:8) nekudaidzira kwaJoshua kuvanhu kuti vave vakatendeka kuna Ishe (Josh. 24:15).