Zvibatsiro Zvekudzidza
Kuroora


Kuroora

Chibvumirano chiri pamutemo kana kutenderana pakati pemunhurume nemunhukadzi kuti vave murume nemukadzi (D&Z 49:15).

Chibvumirano chitsva uye chisingaperi chekuroorana

Kuroorana kunoitwa pasi pemutemo wevhangeri nehupirisita hutsvene ndekwe upenyu hwenyama nokusingaperi. Varume nevakadzi vakakodzera vanobatanidzwa mutemberi mukuroorana vangarambe vachienderera mberi semurume nemukadzi nokusingaperi kwose.

Kuroora kwevezvitendero Zvakasiyana

Kuroorana kwemurume nemukadzi vane kudaira netsika dzechinamato dzakasiyana.

Barika

Kuchata kwemurume nevakadzi vaviri kana kupfuura. Zviri pamurau kuti murume ave nemukadzi mumwechete-chete, kunze kwekunge Ishe vataura nepamwe nekuzarurirwa (Jak. 2:27–30). Nekuzarurirwa barika raiitwa munguva dzeTestamente yaKare nemumazuva ekutanga eChechi rakadzorerwa pakare zvichitungamirwa nemuporofita akanga aine kiyi dzehupirisita (D&Z 132:34–40, 45). Hazvichaitwa muChechi (D&Z Chirevo—1); nhasi, kuve nemudzimai anopfuura mumwechete hazvibvumirane nehunhengo hwemuChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.