Zvibatsiro Zvekudzidza
Reurura, Reururo


Reurura, Reururo

Magwaro matsvene anoshandisa reururo munzira dzingaite mbiri. Mune imwe pfungwa, kureurura kutaura rutendo rwako mune chimwe chinhu, zvekuti unoreurura kuti Jesu ndiye Kristu (Mat. 10:32; VaR. 10:9; Ⅰ Joh. 4:1–3; D&Z 88:104).

Mune imwe pfungwa, kureurura kubvuma kuti une mhosva, sezvakaita mukureurura zvitadzo. Ibasa remunhu kureurura zvose zvitadzo zvavo kuna Ishe uye kuti vawane ruregerero rwake (D&Z 58:42–43). Kana zviri zvakafanira, zvitadzo zvakafanira kureururwa kumunhu kana kuvanhu vanenge vatadzirwa. Zvitadzo zvakanyanya zvakafanira kureururwa kune anoshandira Chechi (kazhinji kuna bhishopi).