Zvibatsiro Zvekudzidza
Rufu, rweMweya


Rufu, rweMweya

Kutsaukaniswa kubva kuna Mwari nekutungamirwa naye; kufa kuzvinhu zviri maererano nokururama. Rusifa nechikamu chimwe muzvitatu chevanhu vekudenga vakafa rufu rwemweya apo pavakatandaniswa kubva kudenga (D&Z 29:36–37).

Rufu rwemweya rwakauiswa munyika nokupunzika kwaAdama (Mos. 6:48). Vanhu vane pfungwa dzakaipa, mazwi, nemabasa vakafa mumweya vachiri vapenyu pano pasi (Ⅰ Tim. 5:6). Kuburikidza nerudzikinuro rwaJesu Kristu nokuteerera zvirongwa nezvisungo zvevhangeri, varume nevakadzi vanogona kuve vakachena kubva muzvitadzo vokunda rufu rwemweya.

Rufu rwemweya rwunovepo rwuchitevera rufu rwemuviri wenyama. Vose vanhu vakamuka mukufa nadhiabhorosi nengirozi dzake vachatongwa. Avo vakapandukira chiedza nechokwadi chevhangeri nekuda vachafa rufu rwemweya. Rufu urwu rwunowanzonzi rufu rwechipiri (Aru. 12:16; Hir. 14:16–19; D&Z 76:36–38).

Dhinda