Zvibatsiro Zvekudzidza
VaKorose, Magwaro ku


VaKorose, Magwaro ku

Bhuku riri muTestamente Itsva. Pakutanga raive tsamba iyo Muapositori Pauro yaakanyora kuvaKorose mushure mekunge ashanyirwa naEpafrasi, muvhangeri weChechi muKorose (VaKoro. 1:7–8). Epafrasi akataurira Pauro kuti vaKorose vakanga varikuwira mukukanganisa kwakaipa kwazvo—vaifunga kuti vaivenani kune vamwe vanhu nokuti vakange vakachenjerera kutarisa zvimwe zvisungo zvekunze (VaKoro. 2:16), vachizvinyima zvimwe zvinhu zvenyama, uye vachinamata ngirozi (VaKoro. 2:18). Uku kuita kwakaita kuti vaKorose vanzwe sevari kucheneswa. Vainzwawo sevainzwisisa zvakavandika zvenyika kupfuura dzimwe nhengo dzeChechi. Mutsamba yake, Pauro akavagadziridza nekuvadzidzisa kuti kusunungurwa kunouya chete nemuna Kristu nokuti takafanira kungwara zve tomushandira.

Chitsauko 1 kukwazisa kwaPauro kuvaKorose. Zvitsauko 2–3 zvidzidzo uye zvine mazwi epamusoro paKristu seMununuri, ngozi yechinamato chemanyepo, nokukosha kwekumuka kuvakafa. Chitsauko 4 chinodzidzisa kuti Vatendi vave vakangwara muzvinhu zvose.