Zvibatsiro Zvekudzidza
Kutsaura


Kutsaura

Kusarudzwa nokupirwa kuita mabasa matsvene. Kusarudzwa uku kunove kwakatarisana nebasa rekushandira muhurongwa hweChechi nokugadzwa maoko pamusoro nemumwe ane mvumo kwayo. Avo chete vanotungamira zvikwata zvehupirisita vanogashidzwa kiyi pavanotsaurwa. Vanhu vanotsaurirwa nzvimbo kunze kwenzvimbo dzehutungamiri hwezvikwata zvehupirisita vangagashire maropafadzo ehupirisita, asi hakuna kiyi dzinopiwa nekuropafadzwa ikoko.