Zvibatsiro Zvekudzidza
VaHeberu, Magwaro ku


VaHeberu, Magwaro ku

Bhuku riri muTestamente Itsva. Pauro akanyora tsamba iyi kumaJuda aive nhengo dzeChechi kuvanyengetedza zvikuru kuti zvinokosha zvemurau waMosesi zvakanga zvazadzikiswa muna Kristu nokuti murau wevhangeri uri pamusoro waKristu wakanga wautsiva. Pauro paakadzokera kuJerusarema mukupera kwerwendo rwake rwechitatu (kunana 60 Kristu azvarwa), akaona kuti vazhinji vaJuda nhengo dzeChechi vakanga vachiri kuti kwati-kwati nemurau waMosesi (Mabasa 21:20). Izvi zvaive tingati gumi remakore mushure memusangano weChechi kuJerusarema waiti izvo zvimwe zvezvisungo zvemurau waMosesi hazvisisina basa muruponeso rwemaKristu echiJentairi. Zvakadaro, mushure imomo Pauro akanyorera kuva Heberu kuvaratidza nemagwaro matsvene avo nokunyatsoisa zvinhu pachena chikonzero chekuti havachafanira kushanda nemurau waMosesi.

Zvitsauko 1 ne2 zvinotsanangura kuti Jesu mukuru kupfuura ngirozi. Zvitsauko 3–7 zvinoenzanisa Jesu kuna Mosesi nokumurau waMosesi uye zvichipupura kuti mukuru kwazviri zviri zviviri. Zvinodzidzisawo kuti Hupirisita hwaMerkizedeki hukuru kune hwaAroni. Zvitsauko 8–9 zvinotsanangura kuti zvisungo zvaMosesi zvakagadzirira vanhu sei mharidzo yaKristu nokutiwo sei Kristu ari munyai wechibvumirano chitsva (Aru. 37:38–45; D&Z 84:21–24). Chitsauko 10 chinonyengetedza kushanda nesimba norutendo. Chitsauko 11 ihurukuro pamusoro perutendo. Chitsauko 12 chinopa kutsiura nokukwazisa. Chitsauko 13 chinotsanangura kuti muchato unokudzwa sei nokukosha kwekuteerera.