Chikwata Onawo Hupirisita Izwi rekuti chikwata rinogona kushandiswa munzira mbiri: (1) Chikwata chevarume vane zvinzvimbo zvakafanana muhupirisita. (2) Ruzhinji, kana vashoma venhengo dziri muchikwata chehupirisita mumusangano wekugadzira basa reChechi (D&Z 107:28). Chikwata cheHutungamiri hweKutanga, vaneGumi neVaviri, neVane Makumi Manomwe nokufambidzana kwavo anotsangangurwa, D&Z 107:22–26, 33–34 (D&Z 124:126–128). Zvinofungwa nezvikwata izvi zvakafanira kuve zvinotenderanwa, D&Z 107:27. Pfungwa dzechikwata dzakafanira kuitwa mukururama kwose, D&Z 107:30–32. Mabasa evatungamiri vezvikwata ehupirisita anotsanangurwa, D&Z 107:85–96. Chikwata chemagosa chinoitirwa vapirisita vakamiririra, D&Z 124:137.