Zvibatsiro Zvekudzidza
Aruma, Mwanakomana waAruma


Aruma, Mwanakomana waAruma

MuBhuku raMormoni, mutongi mukuru nemuporofita murudzi rwemaNifai. Mumakore ake ekutanga akatsvaka kuparadza Chechi (Mosaya 27:8–10). Zvakadaro, ngirozi yakazviratidza kwaari akatendeudzirwa kuvhangeri (Mosaya 27:8–24; Aru. 36:6–27). Mushure akasiya chigaro chake chemutongi mukuru kuti adzidzise vanhu (Aru. 4:11–20).

Bhuku raAruma

Ibhuku riri paro rega muBhuku raMormoni, rine zvinyorwa zvakapfupikiswa zvemaporofita Aruma, mwanakomana waAruma, nemwanakomana wake Hiramani. Zvinhu zviri mubhuku umu zvinhu zvakaitika zvingangobvira mugore ra91 kusvika mugore ra52 Kristu asati azvarwa Bhuku iri rine zvitsauko makumi matanhatu ane zvitsauko zvitatu. Zvitsauko 1–4 zvinotsanangura kupanduka kwevaitevera Neho naAmurisai vachirwisana nemaNifai. Hondo dzakatevera dzimwe dzehondo dzakaparadza zvizhinji kusvika panguva iyoyo murungano rwemaNifai. Zvitsauko 5–16 zvine nhoroondo yenzendo dzekutanga dzemharidzo yaAruma, zvichisanganisa kuparidza kwake pamusoro peMufudzi Akanaka (Aru. 5) nokuparidza kwake aina Amureki muguta reAmonaiha. Zvitsauko 17–27 zvine zvinyorwa zvevanakomana vaMosaya nemharidzo dzavo kumaRamani. Zvitsauko 28–44 zvine dzimwe dzemharidzo dzakakosha dzaAruma. Muchitsauko 32 Aruma akaenzanisa shoko nembeu; muchitsauko 36 anodzokeredza nhorowondo yekutendeuka kwake kumwanakomana wake Hiramani. Zvitsauko 39–42 zvinotaura pamusoro pekuraira kwaAruma mwanakomana wake Koriandoni, uyo akange ave mukati mekukanganisa; iyi mharidzo inokosha inotsanangura kuenzanisa, nyasha, kumuka kuvakafa, neRudzikinuro. Zvitsauko 45–63 zvinotsanangura hondo dzemaNifai dzenguva iyoyo uye nekutamwa kwaiitwa vari pasi paHagoti. Vatungamiri vakuru-kuru vaiti, mutungamiri vemauto saKaputeni Moronai, Teangumu, naRihai vakayamura kuchengetedza maNifai kuburikidza nokuita kwavo kweugamba nekuita kwavo kwaifambiana yakanaka nenguva.