Zvibatsiro Zvekudzidza
Dombo Remutengo Mukuru


Dombo Remutengo Mukuru

Umambo hwaMwari pano pasi hunofananidzwa ne “dombo remutengo mukuru” (Mat. 13:45–46).

Dombo remutengo mukuru izitawoo rinopiwa kurimwe remagwaro matsvene mana anodaidzwa kuti “mabhuku matsvene” eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Bhuku rekutanga reDombo reMutengo Mukuru rakaburitswa mugore re1851 uye raive nezvimwe zvinyorwa iye zvino zvave muDzidziso neZvibvumirano. Zvakashambadzwa kubvira muna 1902 zvine (1) zvakatorwa mune zvakadudzirwa naJoseph Smith muna Genesi, zvinodaidzwa kuti bhuku raMosesi, nezvaMateo 24, zvinodaidzwa kuti Joseph Smith—Mateo; (2) Dudziro yaJoseph Smith yezvinyorwa zvechiEgipita zvinonzi papira zvaakawana muna 1835, zvinodaidzwa kuti bhuku raAbrahama; (3) zvakatorwa kubva muzvinyorwa zvaJoseph Smith zvenhoroondo yeChechi ino zvaakanyora muna 1838, zvinodaidzwa kuti Nhoroondo—yeJoseph Smith; ne (4) Musimboti weChitenderano, zvinyorwa gumi nezvitatu zverudaviro nedzidziso.