Zvibatsiro Zvekudzidza
Shoko reUngwaru


Shoko reUngwaru

Mutemo weutano wakaratidzwa naIshe kuti zviyamure Vatendi munyama nemumweya (D&Z 89). Wave kungodaidzwa kuti Shoko reUngwaru. Ishe vagara vachidzidzisa vateveri vavo mirau yeutano. Ishe vakaratidze kuna Joseph Smith kuti ndeapi marudzi ezvekudya ekuti tidye nokutiwo ndeapi atisina kufanira kudya, pamwechete nechivimbiso chemaropafadzo enyama neemweya kana tichiteerera Shoko reUngwaru.