Zvibatsiro Zvekudzidza
Mateo


Mateo

Muapositori waJesu Kristu uye munyori webhuku rekutanga muTestamente Itsva. Mateo, muJuda aive muteresi wevaRoma paKapenaume, zvimwe aive muhushandi kwaHerode Andipasi. Aiziikanwa asati atendeuka saRevi, mwanakomana waArfeo (Marko 2:14). Shure kwekudaidzwa kuti ave mudzidzi waJesu, akapa mabiko pakanga paina Ishe (Mat. 9:9–13; Marko 2:14–17; Ruka 5:27–32). Mateo zvichida aive neruzivo rukuru rwemagwaro matsvene emuTestamente yaKare uye aikwanisa kuona zvakadzama zvekuzadzikiswa kwechiporofita muupenyu hwaIshe. Zveupenyu hweMuapositori uhu hwekupedzisira zvishoma zvinoziikanwa. Imwe tsika inoti akafa rufu rwemhare.

Vhangeri raMateo

Bhuku rekutanga muTestamente Itsva. Vhangeri raMateo zvimwe pakutanga rakanyorwa kuti rishandiswe nemaJuda emuFiristia. Rinoshandisa zvakataurwa nevamwe zvakawanda kubva muTestamente yaKare. Chinangwa chikuru chaMateo kwaive kuratidza kuti Jesu ndiye Mesia uyo aitaurwa nevaporofita vemuTestamente yaKare. Akasimbisisawo kuti Jesu ndiye Mambo neMutongi wevanhu.

Kutsananguro yezvitsauko, ona “Vhangeri”.