Zvibatsiro Zvekudzidza
Rubeni


Rubeni

MuTestamente yaKare, mwanakomana mukuru waJakobo naRea (Gen. 29:32; 37:21–22, 29; 42:22, 37). Kana dai zvazvo Rubeni aive dangwe, akarasikirwa neudangwe hwake pamusana pechitadzo (Gen. 35:22; 49:3–4).

Rudzi rwaRubeni

Ropafadzo raJakobo kuna Rubeni rinowanikwa muna Genesi 49:3 nekuna Deuteronomio 33:6. Uwandu hwerudzi hwakaderera zvishoma nezvishoma, uye kana dai zvazvo rudzi rwakaramba rwuripo, rwakashaya kukosha munyaya dzenyika. Udangwe hwaRubeni hwakaenda kuna Josefa nevanakomana vake nokuti Josefa aive dangwe remukadzi waJakobo wechipiri, Rakeri (Ⅰ Mak. 5:1–2).

Dhinda