Zvibatsiro Zvekudzidza
Egipita


Egipita

Nyika iri kudivi reAfrica rekuchamhembe kwakadziva kumabvazuva. Nzvimbo huru yeEgipita igwenga risina chinhu. Vazhinji vevagari vagere muNhika yeNairi, inotambanuka kwemakiromita 890.

Egipita yepasi chigare yakanga yakapfuma nekubudirira. Mabasa makuru eruzhinji akavakwa, kusanganisa nemigero yekudiridzisa; maguta akasimba ekuzvidzivirira; nemifananidzo yemadzimambo, kunyanya makuva emapiramidi nedzitemberi, zvichiri pakati pezvishamiso zvepasi. Kwechinguva, hurumende yeEgipita yaitevedzera hurongwa hwamadzibaba hwehupirisita (Abr. 1:21–27).