Zvibatsiro Zvekudzidza
Jakobo, Mwanakomana waIsaka


Jakobo, Mwanakomana waIsaka

Teteguru nemuporofita wemuTestamente yaKare; Mudiki wemanyambiri evanakomana vaIsaka naRebeka (Gen. 25:19–26). Jakobo akawana hudangwe hwemukoma wake Esau. Izvi zvakakonzerwa nokuti Jakobo ane humwari uye akaroora mukati mechibvumirano, zvakadaro Esau akashora hudangwe hwake uye oroora kunze kwechibvumirano (Gen. 25:30–34; 26:34–35; 27; 28:6–9; VaH. 12:16).