Zvibatsiro Zvekudzidza
Kukwira


Kukwira

Kusimuka kubva pasi kweMuponesi, makumi mana emazuva mushure mekumuka kwake kuvakafa. Kukwira kwakaitikira pane imwe nzvimbo mugomo rinonzi Gomo reMiorivhi vadzidzi vake varipo (Marko 16:19; Ruka 24:51). Panguva iyoyo ngirozi mbiri dzakabva kudenga dzakapupura kuti munguva ichauya Ishe aizodzoka “nenzira imwecheteyo” (Mabasa 1:9–12).