Zvibatsiro Zvekudzidza
Noa, Tateguru vemuBhaibheri


Noa, Tateguru vemuBhaibheri

MuTestamente yaKare, mwanakomana waRameki uye iye tateguru wechigumi kubvira kunaAdama (Gen. 5:29–32). Akapupura pamusoro paKristu uye akaparidza kutendeuka kuchizvarwa chakaipa. Vanhu pavakaramba shoko rake, Mwari vakamuti avake areka kuti aise mhuri yake nemhuka dzose kana nyika yanyura mumvura kuti iparadze vakaipa (Gen. 6:13–22; Mos. 8:16–30). Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti Noa ndiye ngirozi Gabrieri uye amire pedyo naAdama mukuve nekiyi dzeruponeso.