Zvibatsiro Zvekudzidza
Numeri


Numeri

Bhuku rechina muTestamente yaKare. Mosesi ndiye akanyora bhuku reNumeri. Bhuku raNumeri rinotaura rungano rwerwendo rwemaIsraeri kubva kuGomo Sinai kusvika kumapanyu makuru eMoabi pamuganhu weKanani. Chimwe chezvidzidzo zvakakosha zvarinodzidzisa kuti vanhu vaMwari vanofanira kufamba nerutendo vachivimba netsidziro dzake, kana vari vanoda kuramba vachibudirira. Rinotaura nekuranga kwaMwari maIsraeri pamusana pekusateerera uye richitaurawo pamusoro pemurau wemaIsraeri. Zita rebhuku iri rakatorwa mukushambadzwa kwekuverengwa kwevanhu (Num. 1–2, 26).

Zvitsauko 1–10 zvinotaura nezvekugadzirira kwemaIsraeri kubva kuSinai. Zvitsauko 11–14 zvinotsanangura nekufamba kwacho, kutumirwa kwevasori munyika yeKanani, nekuramba kwemaIsraeri kupinda munyika yechipikirwa. Zvitsauko 15–19 zvinoratidza mirau yakasiyana-siyana nezvaiitika. Zvitsauko 20–36 inhoroondo yevanhu mugore ravo rekupedzisira vari murenje.