Zvibatsiro Zvekudzidza
Dhiabhorosi


Dhiabhorosi

Satani. Dhiabhorosi imhandu yekururama neavo vanotsvaka kuita chido chaMwari. Iye mukutaura mwanakomana chaiye wemweya waMwari uye akange ari pane imwe nguva ngirozi yaive nesimba pamberi paMwari (Isa. 14:12; 2 Ni. 2:17). Zvisinei, akapanduka kusati kwave neupenyu hwekufa uye akanyengetedza chikamu chimwechete kubva muzvitatu chevana vemweya vaBaba kuti vapanduke naye (D&Z 29:36; Mos. 4:1–4; Abr. 3:27–28). Vakaraswa kunze kwedenga, vakanyimwa mukana wekuwana miviri yenyama nekupfuura nemuupenyu hwenyama, uye kusvikira kusingaperi. Kubvira nguva yakatandaniswa dhiabhorosi kubva kudenga, anotsvaka nguva dzose kunyengedza vose varume nevakadzi nekuvatungamirira kubva mubasa raMwari—kuti marudzi ose evanhu azungaire saiye (Zvaka. 12:9; 2 Ni. 2:27; 9:8–9).

Chechi yadhiabhorosi

Yose chechi yakaipa uye gungano renyika rinokanganisa vhangeri rakachena rakakwana richirwisana neGwayana raMwari.