Zvibatsiro Zvekudzidza
Muparidzi


Muparidzi

Bhuku riri muTestamente yaKare rine pfungwa pamusoro pezvimwe zvakadzamisisa zvinetso zveupenyu.

Munyori webhuku, muparidzi, anonyora zvizhinji zvebhuku kubva mukufunga kweavo vasinganzwisise vhangeri. Anonyora maererano nezvinonzwa vanhu vemunyika—avo vari “pasi pezuva” (Mpa. 1:9). Zvizhinji zvebhuku zvinoratidza kusawirirana nokusatarisira (Mpa. 9:5, 10). Hazvizizvo Ishe zvavanoda kuti titarise upenyu tichiita asi kuti muparidzi akaona kuti zvinhu zvinoratidzwa kuvanhu vasina chiedza panyika. Zvidimbu zvemweya wakanyanya mubhuku iri zvitsauko 11 ne12, umo munyori maanopedzisa achiti chinhu chete chekukosha kwenguva refu kuteerera kumirairo yaMwari.