Zvibatsiro Zvekudzidza
Ezekieri


Ezekieri

Muporofita akanyora bhuku raEzekieri muTestamente yaKare. Akanga ari mupirisita wemhuri yaZadoki uye mumwe wevasungwa vemaJuda vakatakurwa naNebukadnezari. Akagara nemaJuda vaive vasiri kunyika yavo muBabironi uye akaporofita kwenguva yemakore makumi maviri nemaviri, kubvira muna 592 kusvika 570 Kristu asati azvarwa.

Bhuku raEzekieri

Bhuku raEzekieri rinogona kupatsanurwa muzvikamu zvina. Zvitsauko 1–3 zvinotaura nezvechiratidzo chaMwari nekudaidzwa kwaEzekieri kuti ashande; zvitsauko 4–24 zvinotaura nezvirango pamusoro peJerusarema nekuti ngeyi zvakapihwa; zvitsauko 25–32 zvinotaura zvirango pamusoro pemarudzi; uye zvitsauko 33–48 zvinonyora zviratidzo zvemazuva ekupedzisira aIsraeri.