Zvibatsiro Zvekudzidza
Joere


Joere

Muporofita munyika yaJuda muTestamente yaKare. Nguva dzeupenyu hwake hadzinyatsozikanwa—angangove akagara dzimwe nguva pakati pekutonga kwaJoashi, 850 Kristu asati azvarwa, asati asvika, nokudzoka kwerudzi rwaJuda kubva muhusungwa kuBabironi.

Bhuku raJoere

Bhuku iri rinonyanyo nanga pakati pechiporofita chakaitwa naJoere mushure mekunge nyika yaJuda yarohwa nekushaikwa kwemvura kwakaipa nemhashu (Joere 1:4–20). Joere akasimbisa vanhu kuti kuburikidza nokutendeuka vaizotambira zvakare maropafadzo aMwari (Joere 2:12–14).

Chitsauko 1 chinodaidzira kuungana nerukudzo mumba yaIshe. Chitsauko 2 chinotaura nezvehondo nokuparara kunouya kusati kwave neMereniamu. Chitsauko 3 chinotaura nezvemazuva ekupedzisira nokutsinhira kuti ose marudzi achange achirwisana asi kuti pamberi apo Ishe achagara muZioni.

Petro akataura chiporofita chaJoere chekudururwa kweMweya pazuva rePentekosta (Joere 2:28–32; Mabasa 2:16–21). Ngirozi Moronai naiyewo akataura mazwi mamwecheteo kuna Joseph Smith (Nh—JS 1:41).