Zvibatsiro Zvekudzidza
Nifai, Mwanakomana waNifai, Mwanakomana waHiramani


Nifai, Mwanakomana waNifai, Mwanakomana waHiramani

Mumwe wevadzidzi vechiNifai gumi nevaviri vakasarudzwa naJesu Kristu akamutswa kubva kuvakafa muBhuku raMormoni (3 Ni. 1:2–3; 19:4). Uyu muporofita ainamata zvikuru-kuru kwazvo kuna Ishe akamiririra vanhu vake. Nifai akanzwa izwi raIshe (3 Ni. 1:11–14). Nifai akashanyirwawo nengirozi, aiburitsa mweya yakaipa, akamutsa mukoma wake kuvakafa, uye akataura umbowo hwakanga husingarambike (3 Ni. 7:15–19; 19:4). Nifai akachengeta zvinyorwa zvitsvene (3 Ni. 1:2–3).

Bhuku ra3 Nifai

Bhuku rakanyorwa naNifai, mwanakomana waNifai, muBhuku raMormoni. Zvitsauko 1–10 zvinoratidza kuzadzikiswa kwehuporofita maererano nokuuya kwaIshe. Chiratidzo chekuzvarwa kwaKristu chakapiwa; vanhu vakatendeuka; asika vakadzokera zvakare muhuipi. Pekupedzisira dutu, kundengendeka kwenyika, kunaya kwemvura ine mhepo huru, nokuparadza kukuru kwakaratidza rufu rwaKristu. Zvitsauko 11–28 zvinorondedzera zvekuuya kwaKristu kuAmerica. Apa ndipo panokosha pebhuku raNifai rechitatu. Mazhinji emazwi aKristu akafanana nemharidzo dzake dzakanyorwa muBhaibheri (semufananidzo, Mat. 5–7 na3 Ni. 12–14). Zvitsauko 29–30 mazwi aMormoni kumarudzi emazuva ekupedzisira.

Bhuku ra4 Nifai

Bhuku iri rine ndima makumi mana ane mapfumbamwe chete, ose ari muchitsauko chimwechete, asi iro richitaura zvinhu zvingangove zvemazana matatu emakore erungano rwemaNifai (34–321 Kristu azvarwa). Zvizvara zvakati zvevanyori, kusanganisa naiye Nifai, vakayamurawo muzvinyorwa. Ndima 1–19 dzinotaura kuti mushure mekushanya kwaKristu amutswa kuvakafa ose maNifai nemaRamani vakatendeukira kuvhangeri. Runyararo, rudo, nekuwirirana zvakatonga. Vadzidzi vatatu vechiNifai, avo Kristu akanga abvumira kuti vagare pano pasi kusvika pakuuya kwake kwechipiri (3 Ni. 28:4–9) vakaparidzira vanhu. Nifai akasiya zvinyorwa kumwanakomana wake Amosi. Ndima 19–47 zvinyorwa zveushumiri hwaAmosi (makore makumi masere nemana) nezvemwanakomana wake Amosi (makore zana negumi nemaviri). Muna 201 Kristu azvarwa, kudada kwakatanga kukonzera zvipingamupinyi mukati mevanhu, vakazvitsaura muzvikwata vakatanga svondo dzenhema kuti vawane (4 Ni. 1:24–34).

Ndima dzekupedzisira dza4 Nifai anoratidza kuti vanhu vakanga vadzokera zvakare mukuipa (4 Ni. 1:35–49). Muna 305 Kristu azvarwa, Amosi mwanakomana waAmosi akafa munin’ina wake Amaroni akaviga zvinyorwa zvinoera zvose kuti zvichengeteke. Mushure Amaroni akapa zvinyorwa izvi kunaMormoni, uyo akanyora zvakaitika zvizhinji zveupenyu hwake ndokuzozviisa muchidimbu (Morm. 1:2–4).