Zvibatsiro Zvekudzidza
Rufu, rwenyama


Rufu, rwenyama

Kupatsanurana kwemuviri nemweya. Kupunzika kwakaunza kufa nerufu kunyika (2 Ni. 2:22; Mos. 6:48). Rudzikinuro rwaJesu Kristu rwakakunda rufu kuti wose-wose agomuka kuvakafa (Ⅰ VaKori. 15:21–23). Kumuka kuvakafa chipo kuvanhu vose pasina kuti vaita zvakanaka kana zvakaipa muupenyu huno (Aru. 11:42–44). Munhu ega-ega anotambudzwa nekufa rufu rwenyama rwumwechete-chete sezvo shure kwekumutswa kuvakafa kamwechete, miviri haigone kufa zvakare (Aru. 11:45).