Zvibatsiro Zvekudzidza
Hosana


Hosana

Izwi rinobva muchi Heberu rinoreva kuti “tapota tiponise isu” uye richishandiswa mukurumbidza nokunyengetedza.

PaMutambo wemaTabernakeri, uyo waipemberera kubviswa kwaIsraeri vachipinda munyika yechivimbiso, vanhu vakadaidzira mazwi eMapisarema 118 vakazeyesa mapazi emichindwi. Pakupinda kwaIshe kokukunda muJerusarema, vanhu vazhinji vakachema “Hosana” vachiwaridza mapazi emichindwi kuti atasve nepamusoro, naizvozvo ndokuratidza kwavo kunzwisisa kuti Jesu ndiyeyo Ishe vakanga vasunungura maIsraeri makare-kare (Mpi. 118:25–26; Mat. 21:9, 15; Marko 11:9–10; Joh. 12:13). Vanhu ava vakaziva Kristu seuyo Mesia akanga akamirirwa kwenguva. Izwi rekuti Hosana rave rekupemberera Mesia mumazera ose (1 Ni. 11:6; 3 Ni. 11:14–17). Kudaidzira kwekuti hosana kwakaiswa mukupirwa kweTemberi yeKirtland (D&Z 109:79) uyezve zvave kuitwa iyezvino pakupirwa kwematemberi mazuva ano.