Zvibatsiro Zvekudzidza
Jesaberi


Jesaberi

Mudzimai akange akaipa muTestamente yaKare aibva munyika yeFinisia. Aive mudzimai waAhabi (Ⅰ Madz. 16:30–31), mambo weIsraeri akatonga apo Erija aiwe muporofita.

Kuwanikwa kwaJesaberi naAhabi, kupfuura chimwe chitiko chose, kwakakonzera kukoromoka kweumambo hwekuchamhembe hweIsraeri; Jesaberi akaunza kubva kunyika kwake muIsraeri kunamata zvifananidzo kwakaipa kwazvo munzvimbo yekunamata Jehova (Ⅰ Madz. 18:13, 19).