Zvibatsiro Zvekudzidza
Eksodo


Eksodo

Bhuku rakanyorwa naMosesi muTestamente yaKare rinotsanangura kusimuka kwemaIsraeri vachibva muEgipita. Rungano rwekutanga rweIsraeri sekunyorwa kwarwakaitwa muEksodo rwunogona kuiswa muzvikamu zvitatu: (1) hutapwa hwevanhu kuEgipita, (2) kubva kwavo muEgipita vari pasi pehutungamiri hwaMosesi, uye (3) kuzvipira kwavo mubasa raMwari muupenyu hwavo hwekunamata neupenyu hwavo hwezvematongerwo enyika.

Chikamu chekutanga, zvitsauko 1–15, zvinotsanangura kudzvinyirirwa kwemaIsraeri muEgipita; nhoroondo yekutanga nekudaidzwa kwaMosesi; Eksodo nekuitwa kwePaseka; kufamba kuenda kuGungwa Dzvuku, kuparadzwa kwemauto aFarao, nerwiyo rwaMosesi rwekukunda.

Chikamu chechipiri, zvitsauko 15–18, zvinotaura nezverununuro rwaIsraeri nezvakaitika parwendo rwekubva paGungwa Dzvuku kuenda kuSinai; mvura dzinovava dzeMara, kupiwa kwezvihuta nemana, kuchengetedza sabata, chishamiso chechipo chemvura paRefidimi, nehondo ipapo nemaAmarekai; kusvika kwaJetero mukamba uye kuraira kwake pamusoro pematongerwo evanhu.

Chikamu chechitatu, zvitsauko 19–40, chinobata zvekuzvipira kweIsraeri kubasa raMwari panguva yezvinhu zvaiyera paSinai. Ishe vakatsaura vanhu vacho seumambo hwevapirisita nerudzi rwutsvene; akapa Mirairo ineGumi; uye akapa dzidziso nezvetabernakeri, zvinoiswamo, nemanamatiro aiitwa maiiri. Zvino kotevera chinyorwa chechitadzo chevanhu mukunamata mhuru yegoridhe, uye pekupedzisira nyaya yekuvakwa kwetabernakeri nokupa zvinoshandiswa pabasa nayo.

Dhinda