Zvibatsiro Zvekudzidza
Hiramani, Mwanakomana waHiramani


Hiramani, Mwanakomana waHiramani

Muporofita nemuchengeti wezvinyorwa muBhuku raMormoni akadzidzisa vanhu vaNifai. Aive muzukuru waAruma Muduku uye baba vaNifai akanga akapiwa simba pamusoro pezviumbiswa (Hir. 5–10). Nemwanakomana wake Nifai, Hiramani akanyora bhuku raHiramani.

Bhuku raHiramani

Zvitsauko 1–2 zvinotaura nguva yenhamo huru yezvematongerwo enyika. Zvitsauko 3–4 zvinonyora kuti Hiramani na Moronaiha, mukuru wemauto emaNifai, vakakwanisa kekupedzisira kuita runyararo kwechinguva. Asika, kunyange paive neutungamiri hwevarume vakanaka ava, vanhu vakakura zvakanyanya mukuipa. Muzvitsauko 5–6 Nifai akaregera chigaro chekutonga, sezvakanga zvaitwa navasekuru vake Aruma, kuti adzidzise vanhu. Kwechinguva vanhu vakatendeuka. Muzvitsauko 6–12, nokukadaro, rudzi rwemaNifai rwakave rwakaipa. Zvitsauko zvekupedzisira, 13–16, zvine nhoroondo inoshamisa yemuporofita ainzi Samueri muRamani akataura kuzvarwa nokuroverwa kweMuponesi nemifananidzo yaizoratidza zvinhu izvozvo.

Dhinda