Zvibatsiro Zvekudzidza
Timotio, Magwaro kuna


Timotio, Magwaro kuna

Mabhuku maviri muTestamente Itsva. Ose aive pakutanga, rugwaro rwakanyorwa naPauro kunaTimotio.

Timotio Wekutanga

Pauro akanyora rugwaro rwekutanga mushure mekuiswa kwake mutirongo kwekutanga. Akange asiya Timotio kuEfeso, anechinangwa chekuzodzoka mushure (Ⅰ Tim. 3:14). Asika, Pauro akanzwa kuti zvimwe aizononotswa, saka akanyora kuna Timotio, zvimwe ari kuMakedonia (Ⅰ Tim. 1:3), kumuraira nokumukurudzira mukuzadzikisa basa rake.

Chitsauko 1 chine kwaziso yaPauro nerairo dzake pamusoro pezvisina maturo zvaifambiswa zvakange zvopinda muChechi. Zvitsauko 2–3 zvinopa rairo pamusoro pekunamata paruzhinji nezveunhu nemafambiro evashumairi. Zvitsauko 4–5 zvine tsananguro yekurasika kubva pachokwadi kwemazuva ekupedzisira kupa zano kuna Timotio pamusoro pekushumira vaaitungamira. Chitsauko 6 ikurudziro kuti vave vakatendeka nekusiya upfumi hwenyika.

Timotio Wechipiri

Pauro akanyora tsamba yechipiri nguva yekuiswa kwake mutirongo kechipiri, chinguvana asati aurairwa vhangeri. Ine mazwi eMuapositori uyu ekupedzisira ichiratidza kusatya kunoshamisa neruvimbo urwo rwaakatarisa narwo rufu.

Chitsauko 1 chine kwaziso yaPauro nezvaaitaura kuna Timotio. Zvitsauko 2–3 zvinopa yambiro dzakasiyana-siyana nezvitevedzwa negwinyiso kuti titarise ngozi dziri mberi. Chitsauko 4 mashoko ari kutumirwa kushamwari dzaPauro, aine rairo ekuti vakarasika kubva pachokwadi vangabatwe sei.