Zvibatsiro Zvekudzidza
Revi


Revi

MuTestamente yaKare, mwanakomana waJakobo naRea (Gen. 29:34; 35:23). Revi akave baba werumwe rudzi rweIsraeri.

Rudzi rwaRevi

Jakobo akaropafadza Revi nezvizvarwa zvake (Gen. 49:5–7). Zvizvarwa zvaRevi zvaishumira munzvimbo dzaiyera dzevaIsraeri (Num. 1:47–54). Aroni akanga ari muRevi, uye zvizvarwa zvake zvaive vapirisita, (Eks. 6:16–20; 28:1–4; 29). MaRevi vaiyamura vapirisita, vana vaAroni (Num. 3:5–10; Ⅰ Madz. 8:4). Panedzimwe nguva vaibata sevaridzi vemimhanzi (Ⅰ Mak. 15:16; Neh. 11:22); vaiuraya zvipiriso (Ⅱ Mak. 29:34; Ezra 6:20); nokungoyamurawo mutemberi (Neh. 11:16). MaRevi vakanga vakazvipira mubasa raIshe kuti vaitire zvisungo vana vaIsraeri. MaRevi ivo pachavo vakapirwa panzvimbo vevana vaIsraeri (Num. 8:11–22); naizvozvo vakave pfuma yaMwari iri yega, yaakapiwa munzvimbo yedangwe (Num. 8:16). Havana kugadzwa asi vakacheneserwa basa ravo (Num. 8:7–16). Vakanga vasina nyika yenhaka muKanani (Num. 18:23–24), asi vaitambira chegumi (Num. 18:21), maguta makumi mana nemasere (Num. 35:6), nemvumo yekutambira mipiro yevanhu panguva dzemabiko (Deut. 12:18–19; 14:27–29).