Zvibatsiro Zvekudzidza
Estere


Estere

Mukadzi werutendo rukuru ari iye anotaurwa zvikuru mubhuku raEstere.

Bhuku raEstere

Bhuku riri muTestamente yaKare rine rungano rwekusatya kwamambokadzi Estere mukuponesa vanhu vake kubva mukuparadzwa.

Zvitsauko 1–2 zvinotaura kuti Estere, mudzimai wechiJuda uye mwanasikana akarerwa nemurume wechiJuda ainzi Mordekai, akasarudzwa samambokadzi wePersia pamusana perunako rwake. Chitsauko 3 chinotsanangura kuti Hamani, mukuru padare ramambo, aivenga Mordekai akawana mvumo yekuti maJuda ose auraiwe. Zvitsauko 4–10 zvinotaura Estere, mukati mengozi huru kwaari, akabuda pachena kuna mambo maererano nerudzi rwake uye akwana kushandurwa kwemutemo.