Munyaradzi
Magwaro matsvene anotaura nezve Vanyaradzi vaviri. Wekutanga Mweya Mutsvene (Joh. 14:26–27; Moro. 8:26; D&Z 21:9; 42:17; 90:11). Munyaradzi weChipiri ndiIshe Jesu Kristu (Joh. 14:18, 21, 23). Kana mumwe akawana Munyaradzi Wechipiri, Jesu Kristu anozviratidza kwaari nguva nenguva, anomurakidza Baba, uye achimudzidzisa vakatarisana (D&Z 130:3).