Zvibatsiro Zvekudzidza
Abrahama


Abrahama

Mwanakomana waTera, akaberekerwa muUri yavaKardia (Gen. 11:26, 31; 17:5). Muporofita waIshe uyo akaitwa naye naIshe zvibvumirano zvokusingaperi, kuburikidza nazvo ose marudzi epasi anoropafadzwa. Abrahama pakutanga ainzi Abrama.

Bhuku raAbrahama

Zvinyorwa zvepasichigare zvakanyorwa naAbrahama zvakazosvika mumaoko echechi mugore ra1835. Zvinyorwa nezvimwe zvitunha zvakaomeswa kuti zvisaore zvakawanikwa kuEgipita mumapako ezvidhinha naAntonio Lebolo, akazvisiya senhaka kuna Michael Chandler. Chandler akazviratidza munyika yeUnited States mugore ra1835. Dzimwe shamwari dzaJoseph Smith dzakazvitenga kubva kuna Chandler ndokuzvipa kuMuporofita, uyo akazvidudzira. Zvimwe zvezvinyorwa izvi iye zvino zvave kuwanikwa mubhuku rinonzi Dombo Remutengo Mukuru.

Chitsauko 1 chinotaura nezvakasangana naAbrahama muUri yemaKardia, uko kwakaedza vapirisita vakaipa kumupira. Chitsauko 2 chinotaura nezverwendo rwake rweku Kanani. Ishe vakazviratidza kwaari ndokuita zvibvumirano naye. Chitsauko 3 chinotaura kuti Abrahama akaona zvemuchadenga akaona ukama huri pakati pezviri mudenga. Zvitsauko 4–5 zvimwezve zvinotaura nezveKusikwa.

Mbeu yaAbrahama

Vanhu avo, nokuteerera kumirau nezvisungo zvevhangeri raJesu Kristu, vanogashira zvivimbiso nezvibvumirano zvakaitwa naMwari kuna Abrahama. Varume nevakadzi vangagashire maropafadzo aya kana vari vemutsetse waAbrahama kana kuti kana vari vakatorwa vakaiswa mumhuri yake nenzira yekugumbatira vhangeri uye nokubhabhatidzwa (VaG. 3:26–29; 4:1–7; D&Z 84:33–34; 103:17; 132:30–32; Abr. 2:9–11). Avo vedzinza chairo raAbrahama vanokwanisa kurasikirwa nemaropafadzo avo pamusana pekusateerera (VaR. 4:13; 9:6–8).