Zvibatsiro Zvekudzidza
Meshaki


Meshaki

MuTestamente yaKare, Shadraki, Meshaki, naAbedi-nego vaive vaIsraeri vatatu vaye, pamwechete naDanieri, vakaunzwa kuzimbaguru raNebukadnezari, mambo weBabironi. Zita raMeshaki rechiHeberu rainzi Mishaeri. Majaya matatu aya akaramba kuzvisvibisa nekunwa kana kudya nyama newaini yamambo (Dan. 1). Shadraki, Meshaki, naAbedi-nego vakakandwa mumoto waityisa namambo uye vakachengetedzwa neMwanakomana waMwari (Dan. 3).