Zvibatsiro Zvekudzidza
Sinagoge


Sinagoge

Nzvimbo yekusangana yakanangana nezvechitendero. Munguva dzeTestamente Itsva, midziyo yacho yakanga iri mishoma, maive neAreka yaive nezvinyorwa zvemurau nezvimwe zvinyorwa zvinoera, pekuverengera, nezvigaro zvevanamati.

Dare revakuru vemo raichengetedza sinagoge yega-yega. Vaisarudza kuti ndiani aipinzwa kana kuti aisapinda (Joh. 9:22; 12:42). Munhu aive nechinzvimbo chaikosha zvikuru aiwe mutongi vesinagoge (Ruka 13:14; Marko 5:22). Kazhinji aive munyori, aichengeta imba yacho, achitarisa kuitwa kwemisangano. Mumiriri aiita mabasa ehunyori (Ruka 4:20).

Maive nesinagoge muguta rose raigara maJuda, kwose muParastina nekumwewo. Izvi zvakange zviri chiyamuro chikuru mukuparidzira vhangeri raJesu Kristu nokuti vapirisita vekutanga veChechi vaikwanisa kutaura mumasinagoge (Mabasa 13:5, 14; 14:1; 17:1, 10; 18:4). Iko kuita ikoku kwaivepo pakati pevashumiri muBhuku raMormoni (Aru. 16:13; 21:4–5; 32:1), nepakati pevashumiri vekutanga munguva mukuva uno (D&Z 66:7; 68:1).