Zvibatsiro Zvekudzidza
Kutaura zvisinakanaka


Kutaura zvisinakanaka

Kutaura zvisina rukudzo kana zvisina ruremekedzo pamusoro paMwari kana zvinhu zvinoera.

Jesu akapiwa mhosva kazhinji nemaJuda achinzi ari kutaura zvisina rukudzo nokuti aiti ane kodzero yekuregerera zvitadzo (Mat. 9:2–3; Ruka 5:20–21), nokuti aizvidaidza kuti Mwanakomana waMwari (Joh. 10:22–36; 19:7), nokuti akati vachazomuona agere kurudyi rwesimba, achiuya ari mumakore edenga (Mat. 26:64–65). Mhosva idzi dzingadai dzakave dzechokwadi dai akanga asiri chaizvo zvaaiti ari. Mhosva yaakapiwa nevapupuri venhema pakutongwa kwake pamberi peSanihederini (Mat. 26:59–61) yaive yekutaura zvisina rukudzo pamusoro petemberi yaMwari. Kutuka nekushora Mweya Mutsvene, kunove ndiko kuramba Kristu uchida mushure mekunge wagashira kuziva kwakakwana kwake, ndicho chitadzo chisingaregererwe (Mat. 12:31–32; Marko 3:28–29; D&Z 132:27).