Zvibatsiro Zvekudzidza
Tabernakeri


Tabernakeri

Imba yaIshe, musimboti wekunamata kweIsraeri munguva yekubva muEgipita. Tabernakeri yaive temberi yaikwanisa kutakurwa uye yaikwanisa kupunzwa ichizomiswa zvakare. Vana vaIsraeri vakashandisa tabernakeri kudakara vavaka temberi yaSoromoni (D&Z 124:38).

Mwari vakaratidza kugadzirwa kwetabernakeri kuna Mosesi (Eks. 26–27), uye vana vaIsraeri vakaivaka vachitevedza mutarirwa wayo (Eks. 35–40). Apo tabernakeri yakapera, guti rakaputira tende, nekubwinya kwaIshe kukazadza tabernakeri (Eks. 40:33–34). Guti raive chiratidzo chekuvepo kwaMwari. Usiku, yairatidzika semoto. Apo guti rakagara pamusoro petende, vana vaIsraeri vaibva vatema musasa. Rikange rafamba, vaifamba naro (Eks. 40:36–38; Num. 9:17–18). Vana vaIsraeri vaitakura tabernakeri panguva yekudzungaira kwavo mugwenga nemukukunda kwavo nyika yeKanani. Mushure mekukunda uku, tabernakeri yakaiswa kuShiro, nzvimbo iyo yakange Ishe vasarudza (Josh. 18:1). Mushre mekunge vana vaIsraeri vavaka temberi yaSoromoni, tabernakeri yakabva yashaika zvachose munhoroondo.

Ishe naIsaya vakashandisa tabernakeri semucherechedzo wemaguta eZioni neJerusarema panguva yekuuya kwaIshe kwechipiri (Isa. 33:20; Mos. 7:62).

Dhinda