Zvibatsiro Zvekudzidza
Rwizi Jordani


Rwizi Jordani

Rwizi Jordani runoyerera kubva mugungwa reGarirea kusvika kuDead Sea. Rwizi urwu rwakareba zana remamaira ruchiumbwa netukova twakawanda twunoyerera kubva muGomo Herimoni. Ndirwo rukova runokosha zvikuru muIsraeri.

Zvinhu zviviri zviri maererano nerwizi urwu ndezvekuti Ishe vakatsemura rwizi kuti vaIsraeri vayambuke (Josh. 3:14–17), nokubhabhatidzwa kwaJesu Kristu (Mat. 3:13–17; 1 Ni. 10:9).

Dhinda